< Mapisarema 67 >

1 Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo. Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera
(Til sangmesteren. Med strengespil. En salme. En sang.) Gud være os nådig og velsigne os, han lade sit Ansigt lyse over os (Sela)
2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.
for at din Vej må kendes på Jorden, din Frelse blandt alle Folk.
3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
Folkeslag skal takke dig, Gud, alle Folkeslag takke dig;
4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera
Folkefærd skal glædes og juble, thi med Retfærd dømmer du Folkeslag, leder Folkefærd på Jorden, (Sela)
5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
Folkeslag skal takke dig Gud, alle Folkeslag takke dig!
6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.
Landet har givet sin Grøde, Gud, vor Gud, velsigne os,
7 Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.
Gud velsigne os, så den vide Jord må frygte ham!

< Mapisarema 67 >