< Mapisarema 66 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema. Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
普世大地,請向天主歡呼!
2 Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!
請歌頌天主聖名的光榮,請獻給天主輝煌的讚頌。
3 Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu.
請您們向天主說:您的作為是何等驚人!您威赫的大能,您的仇敵都向您奉承。
4 Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera
天主,普世都要朝拜您,全球都要歌頌您的聖名。
5 Uyai muone zvaitwa naMwari, mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
請您們前來觀看天主的作為,他對世人作的事實在可奇。
6 Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo, uyai, ngatifarei maari.
他曾使海洋乾涸,使人徒步走過江河,叫我們因他而喜樂。
7 Anotonga nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi, vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera
他以自己的大能,永遠統治列國萬邦,他的眼睛鑒察萬民,不使叛逆者狂妄。
8 Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
萬民,請您們讚美我們的天主,請傳揚天主應受的榮耀。
9 iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
他曾使我們的性命存活,沒有讓我們的腳步滑倒。
10 Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.
天主,因為您曾考驗我們,像鍊銀子一般,也鍊我們;
11 Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
您曾引領我們墜入了網羅,曾將鐵索繫在我們的身腰;
12 Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.
您曾使異民騎在我們頭上,使我們經過水深火熱中央,最後您使我們獲得解放。
13 Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
我帶著全燔祭進入您的聖殿,我要向您償還我的各種誓願:
14 mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
就是我從前在困厄中間,我口所許,我唇所發的願。
15 Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondobwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera
我要以肥大牲畜作全燔祭,要把公羊的馨香獻與您,要將牛犢和山羊祭奠您。
16 Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; ndikuudzei zvaakandiitira.
凡敬愛天主的人,請您們前來靜聽,我要敘述祂為我所作所行。
17 Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
我親口呼號過他,我舌頭稱揚過他。
18 Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu, Ishe aidai asina kundinzwa;
如果我真存心作惡,上主決不會俯聽我;
19 asi zvirokwazvo Mwari akateerera akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
然而天主終於俯聽了我,也傾聽了我哀號的祈禱,
20 Mwari ngaarumbidzwe, iye asina kuramba munyengetero wangu. Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!
天主應受讚美:因祂從未拒絕我的懇求,從未在我身上撤回祂的仁慈。