< Mapisarema 63 >

1 Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha. Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura.
Zaburi ya Daudi. Wakati alipokuwa katika Jangwa la Yuda. Ee Mungu, wewe ni Mungu wangu, nakutafuta kwa moyo wote; nafsi yangu inakuonea kiu, mwili wangu unakuonea wewe shauku, katika nchi kame na iliyochoka mahali ambapo hapana maji.
2 Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.
Nimekuona katika mahali patakatifu na kuuona uwezo wako na utukufu wako.
3 Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai.
Kwa sababu upendo wako ni bora kuliko uhai, midomo yangu itakuadhimisha.
4 Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.
Nitakusifu siku zote za maisha yangu, na kwa jina lako nitainua mikono yangu.
5 Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.
Nafsi yangu itatoshelezwa kama kwa wingi wa vyakula; kwa midomo iimbayo kinywa changu kitakusifu wewe.
6 Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku.
Kitandani mwangu ninakukumbuka wewe, ninawaza juu yako makesha yote ya usiku.
7 Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.
Kwa sababu wewe ndiwe msaada wangu, chini ya uvuli wa mbawa zako naimba.
8 Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
Nafsi yangu inaambatana nawe, mkono wako wa kuume hunishika.
9 Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.
Wale wanaotafuta uhai wangu wataharibiwa, watakwenda chini kwenye vilindi vya dunia.
10 Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.
Watatolewa wafe kwa upanga, nao watakuwa chakula cha mbweha.
11 Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.
Bali mfalme atafurahi katika Mungu, wale wote waapao kwa jina la Mungu watamsifu, bali vinywa vya waongo vitanyamazishwa.

< Mapisarema 63 >