< Mapisarema 62 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari.
Ngoqotho, umphefumulo wami uyamlindela uNkulunkulu ngokuthula; luvela kuye usindiso lwami.
2 Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.
Nguye kuphela olidwala lami losindiso lwami, inqaba yami; kangiyikunyikinywa kakhulu.
3 Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?
Koze kube nini liceba ububi limelene lomuntu? Lonke lizabulawa, njengomduli otshekileyo, uthango oludilikayo.
4 Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera
Baceba kuphela ukumwisa ekuphakameni kwakhe, bathokoza ngamanga; ngomlomo wabo bayabusisa, kodwa ngaphakathi kwabo bayathuka. (Sela)
5 Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari.
Mphefumulo wami, lindela ngokuthula kuNkulunkulu kuphela; ngoba ithemba lami livela kuye.
6 Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.
Nguye kuphela olidwala lami losindiso lwami, inqaba yami; kangiyikunyikinywa.
7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.
LukuNkulunkulu usindiso lwami lodumo lwami, idwala lamandla ami, isiphephelo sami, kukuNkulunkulu.
8 Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera
Thembani kuye isikhathi sonke, lina bantu; lithulule inhliziyo yenu phambi kwakhe; uNkulunkulu uyisiphephelo sethu. (Sela)
9 Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya.
Ngoqotho, abantukazana bayize, izikhulu ziyinkohliso; esilinganisweni balula kuleze bebonke.
10 Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi.
Lingathembeli embandezelweni, lingamisi ithemba eliyize ekuphangeni; uba inotho isanda, lingabeki inhliziyo kuyo.
11 Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,
UNkulunkulu ukhulumile kwaba kanye, ngikuzwile lokhu kabili, ukuthi amandla angakaNkulunkulu.
12 uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.
Lomusa ungowakho, Nkosi; ngoba wena uyamphindisela wonke umuntu njengokomsebenzi wakhe.

< Mapisarema 62 >