< Mapisarema 62 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari.
達味詩歌,交與樂官耶杜通。 我的靈魂只安息在天主內,因為我的救援是由天主而來。
2 Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.
只有天主是我的磐石,我的救星;天主是我的堡壘,我決不搖傾。
3 Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?
你們不斷侵犯一人,並向他一人衝擊,如衝擊將倒的牆,將坍的壁,要到幾時?
4 Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera
實在,他們企圖要將我由我高位上推下;他們喜愛謊言,口雖祝福,心卻辱罵。
5 Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari.
我的靈魂,你只安息在天主內,因為我的期望全是由祂而來。
6 Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.
只有天主是我的磐石,我的救星;天主是我的堡壘,我決不搖傾。
7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.
我的救恩,我的光榮全在於天主,我的堡壘,我的護衛全基於天主。
8 Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera
百姓,你們該常向他表示依靠,該在他面前吐露你們的心竅:因為天主確是我們的避難所。
9 Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya.
庶民不過是口氣,顯貴也無非是幻影;放在天秤上必然浮起,合計還比氣輕。
10 Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi.
莫依勢凌人,不要以劫掠驕矜;如財寶日增,也不要掛念在心。
11 Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,
天主說過一次,我確實也聽過兩次:
12 uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.
威能屬於天主;慈愛也非你莫屬,因你按照各人的行為給予酬報。

< Mapisarema 62 >