< Mapisarema 61 >
1 Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi. Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.
Kwa mwimbishaji. Kwa ala za nyuzi za uimbaji. Zaburi ya Daudi. Ee Mungu, sikia kilio changu, usikilize maombi yangu.
2 Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura.
Kutoka miisho ya dunia ninakuita, ninaita huku moyo wangu unadhoofika; uniongoze kwenye mwamba ule ulio juu kuliko mimi.
3 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.
Kwa kuwa umekuwa kimbilio langu, ngome imara dhidi ya adui.
4 Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera
Natamani kukaa hemani mwako milele, na kukimbilia chini ya uvuli wa mbawa zako.
5 Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.
Ee Mungu, kwa kuwa umesikia nadhiri zangu, umenipa urithi wa wale wanaoliogopa jina lako.
6 Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi.
Mwongezee mfalme siku za maisha yake, miaka yake kwa vizazi vingi.
7 Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.
Yeye na atawazwe kwenye kiti cha enzi mbele za Mungu milele; amuru upendo wako na uaminifu wako vimlinde.
8 Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.
Ndipo daima nitaliimbia sifa jina lako na kuzitimiza nadhiri zangu siku baada ya siku.