< Mapisarema 60 >

1 Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo e“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimu neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu. Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!
למנצח על שושן עדות מכתם לדוד ללמד בהצותו את ארם נהרים ואת ארם צובה וישב יואב ויך את אדום בגיא מלח שנים עשר אלף אלהים זנחתנו פרצתנו אנפת תשובב לנו׃
2 Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.
הרעשתה ארץ פצמתה רפה שבריה כי מטה׃
3 Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa.
הראיתה עמך קשה השקיתנו יין תרעלה׃
4 Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera
נתתה ליראיך נס להתנוסס מפני קשט סלה׃
5 Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe.
למען יחלצון ידידיך הושיעה ימינך ועננו׃
6 Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti: “Ndichaganhura Shekemu nesimba uye ndichayera Mupata weSukoti.
אלהים דבר בקדשו אעלזה אחלקה שכם ועמק סכות אמדד׃
7 Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu yakasimba, Judha itsvimbo yangu.
לי גלעד ולי מנשה ואפרים מעוז ראשי יהודה מחקקי׃
8 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira, pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu; pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”
מואב סיר רחצי על אדום אשליך נעלי עלי פלשת התרעעי׃
9 Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa? Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?
מי יבלני עיר מצור מי נחני עד אדום׃
10 Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here, uye mukarega kubuda nehondo dzedu?
הלא אתה אלהים זנחתנו ולא תצא אלהים בצבאותינו׃
11 Tibatsirei pavavengi vedu, nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.
הבה לנו עזרת מצר ושוא תשועת אדם׃
12 NaMwari wedu, tichakunda, uye achatsikira vavengi vedu pasi.
באלהים נעשה חיל והוא יבוס צרינו׃

< Mapisarema 60 >