< Mapisarema 60 >
1 Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo e“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimu neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu. Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!
Don mai bi da kaɗe-kaɗe. Da muryar “Lilin Alkawari.” Wani miktam ta Dawuda. Don koyarwa. Sa’ad da ya yaƙi Aram-Naharayim da Aram-Zoba, da kuma sa’ad da Yowab ya dawo ya bugi mutanen Edom dubu goma sha biyu a Kwarin Gishiri. Ka ki mu, ya Allah, ka kuma fashe kāriyarmu; ka yi fushi da mu, yanzu ka mai da mu!
2 Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.
Ka girgiza ƙasar ka kuma tsaga ta; ka daure karayarta, gama tana rawa.
3 Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa.
Ka nuna wa mutanenka lokutan wahala; ka ba mu ruwan inabin da ya sa muka bugu.
4 Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera
Amma ga waɗanda suke tsoronka, ka ɗaga tuta don a buɗe gāba da baka. (Sela)
5 Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe.
Ka cece mu ka kuma taimake mu da hannunka na dama, domin waɗanda kake ƙauna su kuɓuta.
6 Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti: “Ndichaganhura Shekemu nesimba uye ndichayera Mupata weSukoti.
Allah ya yi magana daga wurinsa mai tsarki, “Da nasara zan rarraba Shekem in kuma auna Kwarin Sukkot.
7 Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu yakasimba, Judha itsvimbo yangu.
Gileyad nawa ne, Manasse kuma nawa ne; Efraim shi ne hular kwanona, Yahuda kuma sandar mulkina.
8 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira, pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu; pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”
Mowab shi ne kwanon wankina, a kan Edom zan jefa takalmina; a bisa Filistiya zan yi kirarin nasara.”
9 Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa? Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?
Wa zai kawo ni birnin katanga? Wa zai bishe ni zuwa Edom?
10 Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here, uye mukarega kubuda nehondo dzedu?
Ba kai ba ne, ya Allah, kai da ka ƙi mu ba ka kuwa fita tare da mayaƙanmu?
11 Tibatsirei pavavengi vedu, nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.
Ka ba mu gudummawa a kan abokin gāba, gama taimakon mutum banza ne.
12 NaMwari wedu, tichakunda, uye achatsikira vavengi vedu pasi.
Tare da Allah za mu yi nasara, zai kuma tattake abokan gābanmu.