< Mapisarema 6 >

1 Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu. 2 Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza. 3 Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko? 4 Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi. 5 Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva? (Sheol h7585) 6 Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi. 7 Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose. 8 Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu. 9 Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu. 10 Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

< Mapisarema 6 >