< Mapisarema 59 >
1 Kumutungamiri wokuimba namaimbiro anoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye. Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.
わが神よねがはくは我をわが仇よりたすけいだし われを高處におきて我にさからひ起立つものより脱かれしめたまへ
2 Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.
邪曲をおこなふものより我をたすけいだし血をながす人より我をすくひたまへ
3 Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.
視よかれらは潜みかくれてわが霊魂をうかがひ猛者むれつどひて我をせむ ヱホバよ此はわれに愆あるにあらず われに罪あるにあらず
4 Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!
かれら趨りまはりて過失なきに我をそこなはんとて備をなす ねがはくは我をたすくるために目をさまして見たまへ
5 Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera
なんぢヱホバ萬軍の神イスラエルの神よ ねがはくは目をさましてもろもろの國にのぞみたまへ あしき罪人にあはれみを加へたまふなかれ (セラ)
6 Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta.
かれらは夕にかへりきたり犬のごとくほえて邑をへありく
7 Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”
視よかれらは口より惡をはく そのくちびるに劍あり かれらおもへらく誰ありてこの言をきかんやと
8 Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose.
されどヱホバよ汝はかれらをわらひ もろもろの國をあざわらひたまはん
9 Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,
わが力よわれ汝をまちのぞまん 神はわがたかき櫓なり
10 Mwari anondida achanditungamirira uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.
憐憫をたまふ神はわれを迎へたまはん 神はわが仇につきての願望をわれに見させたまはん
11 Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.
願くはかれらを殺したまふなかれ わが民つひに忘れやはせん 主われらの盾よ 大能をもてかれらを散し また卑したまへ
12 Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,
かれらがくちびるの言はその口のつみなり かれらは詛と虚偽とをいひいづるによりてその傲慢のためにとらへられしめたまへ
13 vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera
忿恚をもてかれらをほろぼしたまへ 再びながらふることなきまでに彼等をほろぼしたまへ ヤコブのなかに神いまして統治めたまふことをかれらに知しめて地の極にまでおよぼしたまへ (セラ)
14 Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta.
かれらは夕にかへりきたり犬のごとくほえて邑をへありくべし
15 Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta.
かれらはゆききして食物をあさり もし飽ことなくば終夜とどまれり
16 Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.
されど我はなんぢの大能をうたひ清晨にこゑをあげてなんぢの憐憫をうたひまつらん なんぢわが迫りくるしみたる日にたかき櫓となり わが避所となりたまひたればなり
17 Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai; imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.
わがちからよ我なんぢにむかひて頌辭をうたひまつらん 神はわがたかき櫓われにあはれみをたまふ神なればなり