< Mapisarema 58 >

1 Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Ko, imi vatongi munotaura mukururama here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?
Je, ninyi watawala mnaongea haki? Mnahukumu kwa haki, ninyi watu?
2 Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika.
Hapana, mnafanya uovu mioyoni mwenu; munaeneza vurugu nchi yote kwa mikono yenu.
3 Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.
Waovu huenenda katika upotovu hata walipokuwa tumboni; wao wanaenenda katika upotovu tangu kuzaliwa, wakiongea uongo.
4 Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,
Sumu yao ni kama sumu ya nyoka; wako kama fira kiziwi azibaye masikio yake,
5 isingateereri maimbiro enʼanga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.
ambaye hasikilizi sauti ya waganga, haijalishi ustadi walio nao.
6 Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!
Vunja meno yao midomoni mwao, Mungu; uyatoe meno ya mwana simba, Yahwe.
7 Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.
Wayeyuke kama maporomoko ya maji; wafyatuapo mishale yao, iwe kama haina ncha.
8 Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.
Wawe kama konokono ambaye huyeyuka na kutoweka, kama mtoto aliye zaliwa kabla ya wakati ambaye hakuona jua.
9 Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.
Kabla ya vyungu vyenu kupata joto la kuungua kwa miiba, yeye ataviondosha kwa upepo mkali, miiba ya kijani yote na ile inayoungua.
10 Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.
Mwenye haki atafurahia atakapoona kisasi cha Mungu; ataiosha miguu yake kwenye damu ya waovu,
11 Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”
hivyo watu watasema, “Hakika kuna tuzo kwa ajili ya mtu wenye haki; hakika kuna Mungu ahukumuye ulimwengu.”

< Mapisarema 58 >