< Mapisarema 58 >

1 Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Ko, imi vatongi munotaura mukururama here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?
למנצח אל תשחת לדוד מכתם האמנם אלם צדק תדברון מישרים תשפטו בני אדם׃
2 Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika.
אף בלב עולת תפעלון בארץ חמס ידיכם תפלסון׃
3 Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.
זרו רשעים מרחם תעו מבטן דברי כזב׃
4 Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,
חמת למו כדמות חמת נחש כמו פתן חרש יאטם אזנו׃
5 isingateereri maimbiro enʼanga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.
אשר לא ישמע לקול מלחשים חובר חברים מחכם׃
6 Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!
אלהים הרס שנימו בפימו מלתעות כפירים נתץ יהוה׃
7 Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.
ימאסו כמו מים יתהלכו למו ידרך חצו כמו יתמללו׃
8 Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.
כמו שבלול תמס יהלך נפל אשת בל חזו שמש׃
9 Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.
בטרם יבינו סירתיכם אטד כמו חי כמו חרון ישערנו׃
10 Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.
ישמח צדיק כי חזה נקם פעמיו ירחץ בדם הרשע׃
11 Ipapo vanhu vachati, “Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro; zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”
ויאמר אדם אך פרי לצדיק אך יש אלהים שפטים בארץ׃

< Mapisarema 58 >