< Mapisarema 56 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati. Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.
Woba lomusa kimi, Nkulunkulu, ngoba umuntu ufuna ukungiginya; usuku lonke esilwa uyangicindezela.
2 Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.
Izitha zami zifuna ukungiginya usuku lonke, ngoba zinengi ezilwa zimelene lami ngokuziphakamisa.
3 Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.
Mhla ngisesaba, mina ngizathemba kuwe.
4 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?
KuNkulunkulu ngizadumisa ilizwi lakhe, kuNkulunkulu ngiyathemba, angiyikwesaba. Inyama ingenzani kimi?
5 Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.
Usuku lonke baphambanisa amazwi ami; yonke imicabango yabo imelene lami ngokubi.
6 Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.
Bayabuthana, bagugube, bona baqaphelise izinyathelo zami, lapho belindele umphefumulo wami.
7 Ngavasapunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
Bazaphunyuka yini ngobubi? Ekuthukutheleni wisela phansi abantu, Nkulunkulu.
8 Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?
Ukuzulazula kwami ukubalile; wena faka izinyembezi zami embodleleni yakho; kazikho ogwalweni lwakho yini?
9 Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzira kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
Khona izitha zami zizabuyela emuva mhla ngibizayo. Ngiyakwazi lokhu ukuthi uNkulunkulu ukimi.
10 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,
KuNkulunkulu ngizadumisa ilizwi, eNkosini ngizadumisa ilizwi.
11 muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?
KuNkulunkulu ngiyathemba, angiyikwesaba. Umuntu angenzani kimi?
12 Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.
Nkulunkulu, izifungo zakho ziphezu kwami; ngizabuyisela kuwe izindumiso.
13 Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.
Ngoba uwukhulule umphefumulo wami ekufeni, yebo, inyawo zami ekukhubekeni, ukuze ngihambe phambi kukaNkulunkulu ekukhanyeni kwabaphilayo.

< Mapisarema 56 >