< Mapisarema 56 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati. Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.
ああ神よねがはくは我をあはれみたまへ 人いきまきて我をのまんとし終日たたかひて我をしへたぐ
2 Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.
わが仇ひねもす急喘てわれをのまんとす誇りたかぶりて我とたたかふものおほし
3 Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.
われおそるるときは汝によりたのまん
4 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?
われ神によりてその聖言をほめまつらん われ神に依賴みたればおそるることあらじ肉體われになにをなし得んや
5 Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.
かれらは終日わがことばを曲るなり その思念はことごとくわれにわざはひをなす
6 Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.
かれらは群つどひて身をひそめ わが歩に目をとめてわが霊魂をうかがひもとむ
7 Ngavasapunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
かれらは不義をもてのがれんとおもへり 神よねがはくは憤ほりてもろもろの民をたふしたまへ
8 Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?
汝わがあまた土の流離をかぞへたまへり なんぢの革嚢にわが涙をたくはへたまへ こは皆なんぢの冊にしるしあるにあらずや
9 Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzira kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
わがよびもとむる日にはわが仇しりぞかん われ神のわれを守りたまふことを知る
10 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,
われ神によりてその聖言をはめまつらん 我ヱホバによりてそのみことばを讃まつらん
11 muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?
われ神によりたのみたれば懼るることあらじ 人はわれに何をなしえんや
12 Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.
神よわがなんぢにたてし誓はわれをまとへり われ感謝のささげものを汝にささげん
13 Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.
汝わがたましひを死よりすくひたまへばなり なんぢ我をたふさじとわが足をまもり生命の光のうちにて神のまへに我をあゆませ給ひしにあらずや