< Mapisarema 55 >

1 Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu;
Kwa mwimbishaji. Na ala za uimbaji. Utenzi wa Daudi. Ee Mungu, sikiliza maombi yangu, wala usidharau hoja yangu.
2 ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana,
Nisikie na unijibu. Mawazo yangu yananisumbua na nimehangaishwa
3 pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo.
kwa sauti ya adui, kwa kukaziwa macho na waovu, kwa sababu wananiletea mateso juu yangu na kunitukana kwa hasira zao.
4 Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira.
Moyo wangu umejaa uchungu, hofu ya kifo imenishambulia.
5 Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza.
Woga na kutetemeka vimenizunguka, hofu kuu imenigharikisha.
6 Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,
Nilisema, “Laiti ningekuwa na mbawa za njiwa! Ningeruka niende mbali kupumzika.
7 ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera
Ningalitorokea mbali sana na kukaa jangwani,
8 ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.”
ningaliharakisha kwenda mahali pa salama, mbali na tufani kali na dhoruba.”
9 Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.
Ee Bwana, uwatahayarishe waovu na uwachanganyishie semi zao, maana nimeona jeuri na ugomvi mjini.
10 Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.
Usiku na mchana wanazunguka juu ya kuta zake, uovu na dhuluma vimo ndani yake.
11 Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.
Nguvu za uharibifu zinatenda kazi mjini, vitisho na uongo haviondoki mitaani mwake.
12 Dai ndatukwa nomuvengi, ndaigona kushinga hangu; dai muvengi aindimukira, ndaigona kumuvanda hangu.
Kama aliyenitukana ni adui yangu, ningevumilia, kama mtu mwovu angejiinua dhidi yangu, ningejificha asinione.
13 Asi ndiwe, munhu akaita seni, mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo,
Kumbe ni wewe, mwenzangu, mshiriki na rafiki yangu wa karibu,
14 yandaimbofarira kuwadzana nayo pataifamba navazhinji mumba maMwari.
ambaye awali tulifurahia ushirika mzuri, tulipokuwa tukienda na umati hekaluni mwa Mungu.
15 Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugara pakati pavo. (Sheol h7585)
Kifo na kiwajie adui zangu ghafula, na washuke kuzimu wangali hai, kwa maana uovu upo ndani yao. (Sheol h7585)
16 Asi ini ndinodana kuna Mwari, uye Jehovha anondiponesa.
Lakini ninamwita Mungu, naye Bwana huniokoa.
17 Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.
Jioni, asubuhi na adhuhuri ninalia kwa huzuni, naye husikia sauti yangu.
18 Anondidzikinura ndisina kukuvara kubva pahondo inondirwisa, kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.
Huniokoa nikawa salama katika vita vilivyopangwa dhidi yangu, ingawa watu wengi hunipinga.
19 Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi, achavanzwa agovaninipisa, Sera ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo, uye vasingatyi Mwari.
Mungu anayemiliki milele, atawasikia na kuwaadhibu, watu ambao hawabadilishi njia zao, wala hawana hofu ya Mungu.
20 Mumwe wangu anorova shamwari dzake; anoputsa sungano yake.
Mwenzangu hushambulia rafiki zake, naye huvunja agano lake.
21 Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.
Mazungumzo yake ni laini kama siagi, hata hivyo vita vimo moyoni mwake. Maneno yake ni mororo kuliko mafuta, hata hivyo ni upanga mkali uliofutwa.
22 Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.
Mtwike Bwana fadhaa zako, naye atakutegemeza, hatamwacha kamwe mwenye haki wake aanguke.
23 Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.
Lakini wewe, Ee Mungu, utawashusha waovu katika shimo la uharibifu. Wenye kiu ya kumwaga damu na wenye hila, hawataishi nusu ya siku zao. Lakini mimi ninakutumaini wewe.

< Mapisarema 55 >