< Mapisarema 54 >
1 Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?” Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu.
ऐ ख़ुदा! अपने नाम के वसीले से मुझे बचा, और अपनी कु़दरत से मेरा इन्साफ़ कर।
2 Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu.
ऐ ख़ुदा मेरी दुआ सुन ले; मेरे मुँह की बातों पर कान लगा।
3 Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera
क्यूँकि बेगाने मेरे ख़िलाफ़ उठे हैं, और टेढ़े लोग मेरी जान के तलबगार हुए हैं; उन्होंने ख़ुदा को अपने सामने नहीं रख्खा।
4 Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.
देखो, ख़ुदा मेरा मददगार है! ख़ुदावन्द मेरी जान को संभालने वालों में है।
5 Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu.
वह बुराई को मेरे दुश्मनों ही पर लौटा देगा; तू अपनी सच्चाई की रूह से उनको फ़ना कर!
6 Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.
मैं तेरे सामने रज़ा की कु़र्बानी चढ़ाऊँगा; ऐ ख़ुदावन्द! मैं तेरे नाम की शुक्रगु़ज़ारी करूँगा क्यूँकि वह खू़ब है।
7 Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.
क्यूँकि उसने मुझे सब मुसीबतों से छुड़ाया है, और मेरी आँख ने मेरे दुश्मनों को देख लिया है।