< Mapisarema 52 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.” Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?
Kwa nini wewe unajivunia kufanya uovu, wewe mtu mwenye nguvu? Uaminifu wa agano la Mungu huja kila siku.
2 Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera.
Ulimi wako hupanga uharibifu kama wembe mkali, na kufanya udanganyifu.
3 Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera
Wewe unapenda uovu kuliko wema na udanganifu kuliko kuongea haki. (Selah)
4 Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera!
Wewe hupenda maneno ambayo huwaumiza wengine, wewe ulimi mdanganyifu.
5 Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera
Vivyo hivyo Mungu atakuadhibu wewe milele; yeye atakuchukua na kukuondoa katika hema yako na kukung'oa katika ardhi ya uhai. (Selah)
6 Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti,
Wenye haki pia wataona na kuogopa; watamcheka na kusema,
7 “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!”
“Tazama, huyu ni mtu ambaye hakumfanya Mungu kuwa kimbilio lake la usalama, bali aliamini katika wingi wa mali zake, naye alikuwa na nguvu alipowaharibu wengine.”
8 Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri.
Lakini kwangu mimi, niko kama mti bora wa mzeituni katika nyumba ya Mungu; Nami nitaamini uaminifu wa agano la Mungu milele na milele.
9 Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.
Nitakushukuru wewe daima kwa uliyo tenda. Nitalisubiri jina lako, kwa sababu ni zuri, uweponi mwa wantu wako wa kimungu.

< Mapisarema 52 >