< Mapisarema 51 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha. Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.
[For the Chief Musician. A Psalm by David, when Nathan the prophet came to him, after he had gone in to Bathsheba.] Have mercy on me, God, according to your loving kindness. According to the multitude of your tender mercies, blot out my transgressions.
2 Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.
Wash me thoroughly from my iniquity. Cleanse me from my sin.
3 Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
For I know my transgressions. My sin is constantly before me.
4 Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.
Against you, and you only, have I sinned, and done that which is evil in your sight; that you may be proved right when you speak, and justified when you judge.
5 Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.
Look, I was brought forth in iniquity. In sin my mother conceived me.
6 Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.
Look, you desire truth in the inward parts. You teach me wisdom in the inmost place.
7 Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.
Purify me with hyssop, and I will be clean. Wash me, and I will be whiter than snow.
8 Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa; itai kuti mapfupa amakapwanya afare.
Let me hear joy and gladness, That the bones which you have broken may rejoice.
9 Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.
Hide your face from my sins, and blot out all of my iniquities.
10 Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Create in me a clean heart, O God. Renew a right spirit within me.
11 Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
Do not throw me from your presence, and do not take your holy Spirit from me.
12 Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.
Restore to me the joy of your salvation. Uphold me with a willing spirit.
13 Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
Then I will teach transgressors your ways. Sinners shall be converted to you.
14 Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari, iyemi Mwari anondiponesa, ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu.
Deliver me from bloodguiltiness, O God, the God of my salvation. My tongue shall sing aloud of your righteousness.
15 Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu, ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.
Lord, open my lips. My mouth shall declare your praise.
16 Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa.
For you do not delight in sacrifice, or else I would give it. You have no pleasure in burnt offering.
17 Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.
The sacrifices of God are a broken spirit. A broken and contrite heart, O God, you will not despise.
18 Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire; muvake masvingo eJerusarema.
Do well in your good pleasure to Zion. Build the walls of Jerusalem.
19 Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama, zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai; ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.
Then you will delight in the sacrifices of righteousness, in burnt offerings and in whole burnt offerings. Then they will offer bulls on your altar.

< Mapisarema 51 >