< Mapisarema 50 >
1 Pisarema raAsafi. Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.
Ihubo lika-Asafi. USomandla, uNkulunkulu, uThixo, uyakhuluma, ubiza umhlaba kusukela okuphuma khona ilanga kuze kufike lapho elitshona khona.
2 Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.
EseZiyoni, epheleleyo ngobuhle, uNkulunkulu uyakhazimula.
3 Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.
UNkulunkulu wethu uyeza, kayikuthula; umlilo uyahangula phambi kwakhe, emaceleni akhe kukhukhula isiphepho.
4 Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:
Ubiza amazulu ngaphezulu lomhlaba, ukuze ehlulele abantu bakhe:
5 “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”
“Qoqani kimi abahlanjululiweyo bami, abenza isivumelwano lami ngemihlatshelo.”
6 Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera
Lamazulu atshumayela ukulunga kwakhe; ngoba uNkulunkulu ngumahluleli ngokwakhe.
7 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.
“Zwanini, bantu bami, ngizakhuluma; yebo Israyeli, ngizafakaza ngimelane lawe; nginguNkulunkulu, Nkulunkulu wakho
8 Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.
Kangikukhuzi ngemihlatshelo yakho kumbe iminikelo yakho yokutshiswa, ehlezi ikhona phambi kwami.
9 Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,
Angisweli inkunzi ephuma esibayeni sakho kumbe imbuzi zesilugu sakho,
10 nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.
ngoba yiphi layiphi inyamazana yeganga ngeyami, lenkomo ezisemaqaqeni azinkulungwane.
11 Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.
Ngazi zonke izinyoni ezisezintabeni, lezidalwa zeganga ngezami.
12 Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.
Aluba ngangingolambayo ngangingekulitshela, ngoba umhlaba ngowami, lakho konke okukuwo.
13 Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?
Ngidla inyama yezinkunzi yini kumbe nginatha igazi lembuzi na?
14 “Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,
Yenzani imihlatshelo yokubonga kuNkulunkulu, gcwalisani izifungo zenu koPhezukonke,
15 uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”
njalo lize kimi mhla lisekuhluphekeni; ngizalikhulula, lani lizangidumisa.”
16 Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?
Kodwa kwababi, uNkulunkulu uthi: “Lilelungelo bani ukukhuluma imithetho yami kumbe liphathe isivumelwano sami ezindebeni zenu na?
17 Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.
Liyazizonda iziqondiso zami, lilahlela amazwi ami emuva kwenu.
18 Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.
Lithi lingabona isela lihle libambane lalo; lisuka lingenelane lezifebe.
19 Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.
Lisebenzisa imilomo yenu ukukhuluma okubi lifundise ulimi lwenu inkohliso.
20 Unogara uchipomera hama yako uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa.
Linyeya umfowenu njalonjalo, limgcone umntakanyoko uqobo.
21 Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.
Lizenzile lezizinto ngazithulela; lalikhumbula ukuthi ngifana lani. Kodwa ngizalikhuza ngilibonisa icala lenu obala.
22 “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:
Nanzelelani lokhu, lina elikhohlwa uNkulunkulu, funa ngilidabudabule, kungekho ongalilamulela:
23 Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”
Lowo onikela iminikelo yokubonga uyangidumisa, njalo ulungisa indlela ukuze ngimtshengise insindiso yami.”