< Mapisarema 50 >

1 Pisarema raAsafi. Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.
亚萨的诗。 大能者 神—耶和华已经发言招呼天下, 从日出之地到日落之处。
2 Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.
从全美的锡安中, 神已经发光了。
3 Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.
我们的 神要来,决不闭口。 有烈火在他面前吞灭; 有暴风在他四围大刮。
4 Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:
他招呼上天下地, 为要审判他的民,
5 “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”
说:招聚我的圣民到我这里来, 就是那些用祭物与我立约的人。
6 Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera
诸天必表明他的公义, 因为 神是施行审判的。 (细拉)
7 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.
我的民哪,你们当听我的话! 以色列啊,我要劝戒你; 我是 神,是你的 神!
8 Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.
我并不因你的祭物责备你; 你的燔祭常在我面前。
9 Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,
我不从你家中取公牛, 也不从你圈内取山羊;
10 nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.
因为,树林中的百兽是我的, 千山上的牲畜也是我的。
11 Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.
山中的飞鸟,我都知道; 野地的走兽也都属我。
12 Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.
我若是饥饿,我不用告诉你, 因为世界和其中所充满的都是我的。
13 Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?
我岂吃公牛的肉呢? 我岂喝山羊的血呢?
14 “Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,
你们要以感谢为祭献与 神, 又要向至高者还你的愿,
15 uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”
并要在患难之日求告我; 我必搭救你,你也要荣耀我。
16 Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?
但 神对恶人说:你怎敢传说我的律例, 口中提到我的约呢?
17 Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.
其实你恨恶管教, 将我的言语丢在背后。
18 Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.
你见了盗贼就乐意与他同伙, 又与行奸淫的人一同有分。
19 Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.
你口任说恶言; 你舌编造诡诈。
20 Unogara uchipomera hama yako uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa.
你坐着毁谤你的兄弟, 谗毁你亲母的儿子。
21 Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.
你行了这些事,我还闭口不言, 你想我恰和你一样; 其实我要责备你,将这些事摆在你眼前。
22 “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:
你们忘记 神的,要思想这事, 免得我把你们撕碎,无人搭救。
23 Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”
凡以感谢献上为祭的便是荣耀我; 那按正路而行的,我必使他得着我的救恩。

< Mapisarema 50 >