< Mapisarema 5 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi. Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha. Rangarirai chikumbiro changu.
“For the leader of the music; to be accompanied with wind instruments. A psalm of David.” Give ear to my words, O LORD; Have regard to my cry!
2 Teererai inzwi rokuchema kwangu, Mambo wangu naMwari wangu, nokuti ndinonyengetera kwamuri.
Listen to the voice of my supplication, my King and my God! For to thee do I address my prayer.
3 Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha; mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu uye ndichimirira netariro.
In the morning shalt thou hear my voice, O LORD! In the morning will I address my prayer to thee, and look for help.
4 Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa; munhu akaipa haangagari nemi.
For thou art not a God that hath pleasure in wickedness; The unrighteous man dwelleth not with thee.
5 Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu; munovenga vose vanoita zvakaipa.
The haughty shall not stand in thy sight; Thou hatest all that do iniquity.
6 Munoparadza vose vanoreva nhema; vanoteura ropa navanhu vanonyengera, Jehovha anovasema.
Thou destroyest them that speak falsehood; The man of blood and deceit the LORD abhorreth.
7 Asi ini, nenyasha dzenyu huru, ndichapinda mumba menyu; norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu, ndakatarira kutemberi yenyu tsvene.
But I, through thy great goodness, will come to thy house; In thy fear will I worship at thy holy temple.
8 Nditungamirirei, imi Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu, ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.
Lead me, O LORD! in thy righteousness, because of mine enemies; Make thy path straight before my face!
9 Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro; mwoyo yavo izere nokuparadza. Huro dzavo iguva rakashama; vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.
For in their mouth there is no truth; Their heart is malignity; Their throat is an open sepulchre; They flatter with their tongue.
10 Haiwa Mwari, vapei mhosva! Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo. Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji, nokuti vakakumukirai.
Requite them, O God! Let them be confounded in their devices; Cast them out for the multitude of their transgressions; For against thee have they rebelled!
11 Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; ngavagare vachiimba nomufaro. Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.
But let all, that put their trust in thee, rejoice; Let them ever shout for joy, because thou defendest them; Let them, that love thy name, be joyful in thee!
12 Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama; munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.
For thou, O LORD! dost bless the righteous; With favor dost thou encompass him, as with a shield.