< Mapisarema 48 >

1 Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
A Song; a Psalm. Of the sons of Korah. Great is Jehovah, and greatly to be praised in the city of our God, in the hill of his holiness.
2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru.
Beautiful in elevation, the joy of the whole earth, is mount Zion, [on] the sides of the north, the city of the great King.
3 Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.
God is known in her palaces as a high fortress.
4 Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa,
For behold, the kings assembled themselves, they passed by together;
5 vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya.
They saw, — so they marvelled; they were troubled, they fled in consternation:
6 Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
Trembling took hold upon them there; anguish, as of a woman in travail.
7 Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.
With an east wind thou hast broken the ships of Tarshish.
8 Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera
As we have heard, so have we seen, in the city of Jehovah of hosts, in the city of our God: God doth establish it for ever. (Selah)
9 Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.
We have thought, O God, of thy loving-kindness, in the midst of thy temple.
10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
According to thy name, O God, so is thy praise unto the ends of the earth: thy right hand is full of righteousness.
11 Gomo reZioni rinofarisisa, misha yeJudha inofara nokuda kwokutonga kwenyu.
Let mount Zion rejoice, let the daughters of Judah be glad, because of thy judgments.
12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro,
Walk about Zion, and go round about her: count the towers thereof;
13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.
Mark ye well her bulwarks, consider her palaces: that ye may tell it to the generation following.
14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.
For this God is our God for ever and ever; he will be our guide until death.

< Mapisarema 48 >