< Mapisarema 47 >
1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.
聖歌隊の指揮者によってうたわせたコラの子の歌 もろもろの民よ、手をうち、喜びの声をあげ、神にむかって叫べ。
2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!
いと高き主は恐るべく、全地をしろしめす大いなる王だからである。
3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu.
主はもろもろの民をわれらに従わせ、もろもろの国をわれらの足の下に従わせられた。
4 Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera
主はその愛されたヤコブの誇をわれらの嗣業として、われらのために選ばれた。 (セラ)
5 Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.
神は喜び叫ぶ声と共にのぼり、主はラッパの声と共にのぼられた。
6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.
神をほめうたえよ、ほめうたえよ、われらの王をほめうたえよ、ほめうたえよ。
7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza.
神は全地の王である。巧みな歌をもってほめうたえよ。
8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.
神はもろもろの国民を統べ治められる。神はその聖なるみくらに座せられる。
9 Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.
もろもろの民の君たちはつどい来て、アブラハムの神の民となる。地のもろもろの盾は神のものである。神は大いにあがめられる。