< Mapisarema 46 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo. Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.
למנצח לבני-קרח-- על-עלמות שיר ב אלהים לנו מחסה ועז עזרה בצרות נמצא מאד
2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa,
על-כן לא-נירא בהמיר ארץ ובמוט הרים בלב ימים
3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera
יהמו יחמרו מימיו ירעשו הרים בגאותו סלה
4 Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro.
נהר--פלגיו ישמחו עיר-אלהים קדש משכני עליון
5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.
אלהים בקרבה בל-תמוט יעזרה אלהים לפנות בקר
6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.
המו גוים מטו ממלכות נתן בקולו תמוג ארץ
7 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
יהוה צבאות עמנו משגב-לנו אלהי יעקב סלה
8 Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.
לכו-חזו מפעלות יהוה-- אשר-שם שמות בארץ
9 Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.
משבית מלחמות עד-קצה הארץ קשת ישבר וקצץ חנית עגלות ישרף באש
10 “Mirai, muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”
הרפו ודעו כי-אנכי אלהים ארום בגוים ארום בארץ
11 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
יהוה צבאות עמנו משגב-לנו אלהי יעקב סלה

< Mapisarema 46 >