< Mapisarema 45 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato. Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.
Moyo wangu unafurika kwa neno zuri; nitasoma kwa sauti maneno niliyo yaandika kuhusu mfalme; ulimi wangu ni kalamu ya mwandishi mwenye ustadi.
2 Imi makanakisisa pavanhu vose uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha, sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.
Wewe u mzuri sana kuliko mwanadamu yeyote; neema imemiminwa midomoni mwako; Kwa hiyo tunajua ya kuwa Mungu amekubariki milele.
3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba, zvishongedzei nokubwinya noumambo.
Weka upanga wako upande wako, wewe uliye mwenye nguvu, katika utukufu wako na enzi yako.
4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo, makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama; ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.
Katika enzi yako enenda katika ushindi kwa sababu ya uaminifu, upole, na haki; mkono wako wa kuume utakufundisha mambo ya kutisha.
5 Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo; ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.
Mishale yako ni mkali; watu huanguka chini yako; mishale yako imo ndani ya mioyo ya adui za mfalme.
6 Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri; tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.
Kiti chako cha enzi, Mungu ni cha milele na milele; na fimbo ya haki ni fimbo ya utawala wako.
7 Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta omufaro.
Umeipenda haki na kuchukia uovu; kwa hiyo Mungu, Mungu wako, amekupaka mafuta ya furaha kuliko wenzako.
8 Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia, zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou, kurira kwehungiso kunokufadzai.
Mavazi yako yote hunukia manemane, udi, na mdalasini; kukoka katika majumba ya pembe vyombo vya muziki wa nyuzi vimekufurahisha.
9 Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa; kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.
Binti za wafalme ni kati ya wake zako waheshimiwa; na mkono wako wa kuume amesimama malikia aliye vaa mavazi ya dhahabu ya Ofiri.
10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.
Sikiliza, mwanangu, tafakari na utege sikio lako; uwasahahu watu wako na watu wa nyumba ya baba yako.
11 Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.
Hivyo mfalme atautamani uzuri wako; yeye ni Bwana wako; umstahi.
12 Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.
Binti wa Tiro atakuwepo akiwa na zawadi; matajiri kati wa watu watajipendekeza kwako.
13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.
Binti mfalme katika jumba la kifahari ana utukufu wote; mavazi yake yametengenezwa kwa dhahabu.
14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri.
Naye ataongozwa kwa mfalme akiwa katika mavazi ya dhahabu; mabikra, wenzake wanoumfuata, wataletwa kwako mafalme.
15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo.
Wao wataongozwa kwa furaha na shangwe; wataingia mahali pa mfalme.
16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda munyika yose.
Katika mahali pa baba zako watoto wako watakuwepo, ambao wewe utawafanya kuwa wakuu katika nchi yote.
17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.
Nami nitalifanya jina lako kukumbukwa katika uzao wote; kwa hiyo watu watakushukuru milele na milele.

< Mapisarema 45 >