< Mapisarema 45 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato. Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.
Y corasonjo machúchuda nu y mauleg na güinaja; jusangan ayo sija y para y ray; y jilajo, calang y pluman y chadeg mangue.
2 Imi makanakisisa pavanhu vose uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha, sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.
Guefpaguñajao qui y famaguon y taotao sija: y grasia machúchuda jalom gui labiosmo; enaomina binendisejao as Yuus, para taejinecog.
3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba, zvishongedzei nokubwinya noumambo.
Gode y espadamo gui cháchagamo, O gosbalente jao, yan y langetmo yan y minagasmo.
4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo, makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama; ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.
Ya y minagasmo sigue di mumegae, sa pot y minagajet, yan y minanso, yan tininas: ya y agapa na canaemo unfinanagüe ni y mannamaañao na güinaja.
5 Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo; ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.
Y flechamo manacadedog; mamodong y taotao gui papamo; sija gaegue gui corason y enemigon y ray.
6 Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri; tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.
Y tronumo taejinecog, yan taejinecog, O Yuus: y bariyan y raenomo, tunas na bariya.
7 Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta omufaro.
Unguaeya y tininas, ya unchatlie y tinaelaye; enaomina si Yuus ni y Yuusmo, pinalaejao ni y lañan minagof, mas qui y mangachongmo.
8 Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia, zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou, kurira kwehungiso kunokufadzai.
Todo y magagumo mamaopao ni y mira, yan y chaguan na jajatot, yan y casia; manjuyong gui palasyon matfit, anae guinatbon musica manamagofjao.
9 Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa; kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.
Y jaga sija y ray, mangaegue gui entalo y manonrada na famalaoanmo; ya y rayna matátachong gui agapamo yan y magaguña y oron Ofir.
10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.
Jungog O jaga, jaso ya tecon y talangamo; ya unmalefa ni y mañataotaomo, yan y guima tatamo.
11 Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.
Ya ugosmalago y ray ni y bonitamo; sa güiya y Señotmo yanguin unadora güe.
12 Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.
Ya y jagan Tiro yan y ninae ugaegue güije; asta y manrico gui entalo y taotao unmagaogao ni y fabotmo.
13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.
Y jagan y ray, gui palasyo gosbonita güe: y magaguña maadotna ni y oro.
14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri.
Macone guato gui as ray, yan y magaguña ni y mabotda: y bitgen sija mangachongña ni y tumattitiye, sija unquinenie guato.
15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo.
Sija machulilie guato yan minagof yan alegria: ufanjalom gui palasyon y ray.
16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda munyika yose.
Gui lugat si tatamo, y ugaegae y famaguonmo; unnafanprinsipe gui todo y tano.
17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.
Guajo junamajaso y naanmo gui todo y generasion sija: enaomina y taotao sija mannaejao grasias para taejinecog yan taejinecog.

< Mapisarema 45 >