< Mapisarema 44 >
1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri. Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare.
ああ神よむかしわれらの列祖の日になんぢがなしたまひし事迹をわれら耳にきけり 列祖われらに語れり
2 Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire.
なんぢ手をもてもろもろの國人をおひしりぞけ われらの列祖をうゑ並もろもろの民をなやましてわれらの列祖をはびこらせたまひき
3 Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.
かれらはおのが劍によりて國をえしにあらず おのが臂によりて勝をえしにあらず 只なんぢの右の手なんぢの臂なんぢの面のひかりによれり 汝かれらを惠みたまひたればなり
4 Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.
神よなんぢはわが王なり ねがはくはヤコブのために救をほどこしたまへ
5 Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.
われらは汝によりて敵をたふし また我儕にさからひて起りたつものをなんぢの名によりて踐壓ふべし
6 Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;
そはわれわが弓によりたのまず わが劍もまた我をすくふことあたはざればなり
7 asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu.
なんぢわれらを敵よりすくひ またわれらを惡むものを辱かしめたまへり
8 Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera
われらはひねもす神によりてほこり われらは永遠になんぢの名に感謝せん (セラ)
9 Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu.
しかるに今はわれらをすてて恥をおはせたまへり われらの軍人とともに出ゆきたまはず
10 Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba.
われらを敵のまへより退かしめたまへり われらを惡むものその任意にわれらを掠めうばへり
11 Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.
なんぢわれらを食にそなへらるる羊のごとくにあたへ斯てわれらをもろもろの國人のなかにちらし
12 Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.
得るところなくしてなんぢの民をうり その價によりてなんぢの富をましたまはざりき
13 Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.
汝われらを隣人にそしらしめ われらを環るものにあなどらしめ 嘲けらしめたまへり
14 Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.
又もろもろの國のなかにわれらを談柄となし もろもろの民のなかにわれらを頭ふらるる者となしたまへり
15 Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi
わが凌辱ひねもす我がまへにあり わがかほの恥われをおほへり
16 pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.
こは我をそしり我をののしるものの聲により我にあだし我にうらみを報るものの故によるなり
17 Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.
これらのこと皆われらに臨みきつれどわれらなほ汝をわすれず なんぢの契約をいつはりまもらざりき
18 Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.
われらの心しりぞかずわれらの歩履なんぢの道をはなれず
19 Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.
然どなんぢは野犬のすみかにてわれらをきずつけ死蔭をもてわれらをおほひ給へり
20 Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,
われらもしおのれの神の名をわすれ或はわれらの手を異神にのべしことあらんには
21 Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?
神はこれを糺したまはざらんや 神はこころの隠れたることをも知たまふ
22 Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.
われらは終日なんぢのために死にわたされ屠られんとする羊の如くせられたり
23 Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.
主よさめたまへ何なればねぶりたまふや起たまへ われらをとこしへに棄たまふなかれ
24 Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?
いかなれば聖顔をかくしてわれらがうくる苦難と虐待とをわすれたまふや
25 Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.
われらのたましひはかがみて塵にふし われらの腹は土につきたり
26 Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
ねがはくは起てわれらをたすけたまへ なんぢの仁慈のゆゑをもてわれらを贖ひたまへ