< Mapisarema 43 >
1 Ndiruramisirei, imi Mwari, uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari; ndinunurei pavanhu vanonyengera nevakaipa.
Mungu, uniletee haki, na unitetee dhidi ya taifa lisilo la kimungu.
2 Ndimi Mwari nhare yangu. Mandirambireiko? Ndinofambireiko pose ndichichema ndichidzvinyirirwa navavengi?
Kwa kuwa wewe ni Mungu wa nguvu zangu. Kwa nini umenikataa? Kwa nini ninaenenda katika maombolezo kwa sababu ya ukandamizaji wa adui yangu?
3 Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu, ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, kunzvimbo yamunogara.
Oh, tuma nuru yako na kweli yako ziniongoze. Ziniletee mlima wako mtakatifu na makao yako.
4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu. Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, Mwari wangu.
Kisha nitakwenda madhabahuni mwa Mungu, kwa Mungu wangu aliye furaha yangu kuu. Nami nitakusifu wewe kwa kinubi, Ee Mungu, Mungu wangu.
5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.
Roho yangu, kwa nini umeinama? Kwa nini unahuzuni ndani yangu? Kwa kuwa nitamsifu tena yeye ambaye ni wokovu wangu na Mungu wangu.