< Mapisarema 42 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora. Senondo inodokwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.
Para el músico principal. Una contemplación de los hijos de Coré. Como el ciervo que busca los arroyos de agua, por lo que mi alma suspira por ti, Dios.
2 Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?
Mi alma tiene sed de Dios, del Dios vivo. ¿Cuándo vendré a comparecer ante Dios?
3 Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”
Mis lágrimas han sido mi alimento día y noche, mientras me preguntan continuamente: “¿Dónde está tu Dios?”
4 Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya wangu, mafambiro andaiita navazhinji ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari, nokupembera nomufaro uye nokuvonga pakati pavazhinji pamutambo.
De esto me acuerdo, y derramo mi alma dentro de mí, cómo solía ir con la multitud, y los llevaba a la casa de Dios, con voz de alegría y alabanza, una multitud que celebra un día santo.
5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.
¿Por qué te desesperas, alma mía? ¿Por qué te perturbas dentro de mí? ¡Espera en Dios! Porque aún le alabaré por la ayuda salvadora de su presencia.
6 Mweya wangu wakaneta mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri kunyika yeJorodhani, pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.
Dios mío, mi alma está desesperada dentro de mí. Por eso me acuerdo de ti desde la tierra del Jordán, las alturas del Hermón, desde la colina Mizar.
7 Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namafashamu akapfuura napamusoro pangu.
Llamadas profundas al ruido de sus cascadas. Todas tus olas y tus olas me han barrido.
8 Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
Yahvé ordenará su bondad amorosa durante el día. En la noche su canción estará conmigo: una oración al Dios de mi vida.
9 Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu, “Mandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”
Preguntaré a Dios, mi roca: “¿Por qué me has olvidado? ¿Por qué voy de luto por la opresión del enemigo?”
10 Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu, sezvo vavengi vangu vachindizvidza zuva rose vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”
Como con una espada en los huesos, mis adversarios me reprochan, mientras me preguntan continuamente: “¿Dónde está tu Dios?”
11 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu.
¿Por quéestás desesperada, alma mía? ¿Por qué te perturbas dentro de mí? ¡Espera en Dios! Porque todavía lo alabaré, la ayuda salvadora de mi rostro, y mi Dios.

< Mapisarema 42 >