< Mapisarema 41 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.
Wɔde ma dwonkyerɛfo. Dawid dwom. Nhyira ne onipa a mmɔborɔni asɛm ho hia no; Awurade gye no wɔ amanehunu bere mu.
2 Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.
Awurade bɛbɔ ne ho ban na wakora ne kra; obehyira no wɔ asase no so; ɔrennyaa no mma nʼatamfo apɛde.
3 Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.
Awurade bɛhwɛ no wɔ ne yare mpa so na wagye no asi hɔ.
4 Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”
Mekae se, “Ao Awurade hu me mmɔbɔ; sa me yare, efisɛ mayɛ bɔne atia wo.”
5 Vavengi vangu vachindigodora vanoti, “Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”
Mʼatamfo de adwene bɔne ka fa me ho se: “Da bɛn na obewu ama ne din ayera?”
6 Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa; ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.
Bere biara a obi ba me nkyɛn no, ɔka atosɛm, na ne koma hɔre dinsɛe; ofi adi kɔ a, ɔde kodi nseku.
7 Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,
Mʼatamfo nyinaa keka asomsɛm fa me ho; wosusuw bɔne ma me na wɔka se:
8 “Chirwere chakaipa chakamubata, haachambomukizve panzvimbo paakarara.”
“Ɔyare bɔne bi abɔ no; ɔrensɔre mfi nea ɔda hɔ bio.”
9 Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo.
Mpo me yɔnko pa ara a mede me ho too no so, nea me ne no too nsa didii no, asɔre atia me.
10 Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni, ndisimudzei, kuti ndivatsive.
Nanso wo, Awurade, hu me mmɔbɔ; ma me so, na mintua wɔn so ka.
11 Ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haandikundi.
Minim sɛ wʼani sɔ me, na me tamfo renni me so nkonim.
12 Munonditsigira pakutendeka kwangu, uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.
Me nokwaredi mu, wukura me mu na wode me gyina wʼanim afebɔɔ.
13 Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi.
Nhyira nka Awurade, Israel Nyankopɔn, nnɛ ne daa nyinaa.

< Mapisarema 41 >