< Mapisarema 4 >

1 Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi. Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu makarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.
(Til sangmesteren. Med strengespil. En salme af David.) Svar, når jeg råber, min Retfærds Gud! I Trængsel skaffede du mig Rum. Vær nådig og hør min Bøn!
2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera
Hvor længe, I Mænd, skal min Ære skændes? Hvor længe vil I elske Tomhed, søge Løgn? (Sela)
3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.
Vid dog, at HERREN er mig underfuldt god; når jeg påkalder HERREN, hører han mig.
4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera
Vredes kun, men forsynd eder ikke, tænk efter på eders Leje og ti! (Sela)
5 Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha.
Bring rette Ofre og stol på HERREN!
6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.
Mange siger: "Hvo bringer os Lykke?" Opløft på os dit Åsyns Lys!
7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.
HERRE, du skænked mit Hjerte en Glæde, større end deres, da Korn og Most flød over.
8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.
I Fred går jeg til Hvile og slumrer straks, thi, HERRE, du lader mig bo alene i Tryghed.

< Mapisarema 4 >