< Mapisarema 39 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.”
達味詩歌,交與樂官耶杜通。 我已決定:我要謹遵我的道路,免得我以口舌犯罪,當惡人在我面前時,我以口罩籠住我嘴。
2 Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.
我默不作聲,以免口出惡語,但我的痛楚更因此而加劇。
3 Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:
我的心在腔滾滾沸騰,我愈沉思愈覺得烈火如焚;我的舌頭便不耐煩地說:
4 “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.
上主,求你明白啟示我:我的終期和壽數究有幾何,好使我知道我是何等脆弱。
5 Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.
你使我的歲月屈指可數,我的生命在你前算是虛無。世人的生存只是一口呵噓。
6 Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.
人生實如泡影,只是白白操勞,他們所有積蓄不知誰來得到。
7 “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.
我主,現今我還什麼希望?我的希望寄託在你的身上!
8 Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.
救你救我脫離我的種種罪愆,不要使我受愚人的恥笑侮慢。
9 Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.
我靜默不言,有口不開,因為這事是由你安排。
10 Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.
求你由我身上去這場災患,因你手的打擊,我已消瘦不堪。
11 Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera
你為了罰罪而把世人懲治,你像蛀蟲將他的珍寶侵蝕;至於人,不過只是一口氣。上主,求你俯聽我的祈禱,求你側耳靜聽我的哀告,莫要作聾不聽我的哭號。因為
12 “Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
我在你前只是旅客,如我列祖一樣只是路。
13 Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.”
求你轉移你的目光,不要怒視我,使我一去不返之前能得享安樂。