< Mapisarema 37 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;
Usikereshwe na wafanyao maovu; usiwaonee wivu wale watendao yasiyo haki.
2 nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.
Kwa kuwa muda mfupi watakauka kama nyasi na kukauka kama vile mimea ya kijani ikaukavyo wakati wa kiangazi.
3 Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
Uwamini Mungu na kufanya yaliyo mema; uishi katika nchi na uongezeke katika imani.
4 Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
Kisha ufurahi mwenyewe katika Yahwe, naye atakupa matamanio ya moyo wako.
5 Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;
Umkabidhi njia zako Yahwe; uamini katika yeye, naye atatenda kwa niaba yako.
6 achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.
Yeye ataidhihilisha haki yako kama mchana na usafi wako kama mwangaza wa mchana.
7 Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.
Uwe kumya mbele za Yahwe na umsubiri yeye kwa uvumilivu. Usikasirike ikiwa kuna mtu anafanikiwa kwa kile afanyacho, au afanyapo njama za uovu.
8 Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.
Usikasilile na kugadhabika. Usiogope. Hii huleta matatizo tu.
9 Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
Watendao maovu watafutiliwa mbali, bali wale wamngojao Yahwe watairithi nchi.
10 Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.
Katika muda mfupi mtu mwovu atatoweka; wewe utatazama mahali pake, wala hautamuona.
11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.
Lakini wapole watairithi nchi nao watafurahia katika mafanikio makubwa.
12 Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo.
Mtu mwovu hupanga njama kinyume na mwenye haki na kumsagia meno.
13 Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.
Bwana humcheka, kwa maana anaona siku yake inakuja.
14 Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.
Waovu wametoa nje panga zao na wametayarisha pinde zao ili kuwaangamiza wanyonge na wahitaji, na kuwaua wenye haki.
15 Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.
Panga zao zitawaua wenyewe, na pinde zao zitavunjika.
16 Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;
Ni bora kuwa mwenye haki maskini kuliko tajiri mwenye mali nyingi.
17 nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.
Kwa maana mikono ya watu waovu itavunjika, bali Yahwe huwasaidia watu wenye haki.
18 Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
Yahwe huwalinda watu wasio na lawama siku hadi siku, na urithi wao utakuwa wa milele.
19 Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
Hawata aibika siku mbaya zijapo. Wakati wa njaa ufikapo wao watakuwa na chakula cha kutosha.
20 Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
Bali waovu wataangamia. Maadui wa Yahwe watakuwa kama vile utukufu wa malisho; watamalizwa na kupotezwa katika moshi.
21 Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;
Mtu mwovu hukopa lakini halipi, bali mtu mwenye haki ni mkarimu na hutoa.
22 avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vaanotuka vachaparadzwa.
Wale walio barikiwa na Mungu watairithi nchi; wale aliowalaani watafutiliwa mbali.
23 Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;
Hatua za mwanadamu zinaimarishwa na Yahwe, mtu ambaye njia zake zinakubalika machoni pa Mungu.
24 kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
Ajapojikwaa, hataanguka chini, kwa kuwa Yahwe anamshikilia kwa mkono wake.
25 Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa.
Nilikuwa kijana na sasa ni mzee; sijawahi kumuona mtu mwenye haki ametelekezwa wala watoto wake kuombaomba mkate.
26 Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.
Wakati wote yeye ni mkarimu na hukopesha, nao watoto wake hufanyika baraka.
27 Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.
Acha uovu na ufanye yaliyo mema; ndipo utakapokuwa salama milele.
28 Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;
Kwa maana Yahwe hupenda haki naye hawaachi wafuasi waaminifu. Wao hutunzwa milele, lakini uzao wa waovu utafutiliwa mabli.
29 vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.
Wenye haki watairithi nchi na kuaa huko milele.
30 Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
Mdomo wa mwenye haki huongea hekima na huongeza haki.
31 Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.
Sheria ya Mungu wake imo moyoni mwake; miguu yake haitelezi.
32 Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;
Mtu mwovu humvizia mwenye haki na kutafuta kumuua.
33 asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.
Yahwe hatamuacha yeye kwenye mkono wa mtu mwovu wala kumlaumu atakapohukumiwa.
34 Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.
Umngoje Yahwe na uishike njia yake, naye atakuinua uimiliki nchi. Atakapo waondosha waovu wewe utaona.
35 Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti wakasvibira pavhu romunyika yawo,
Nimewaona waovu na mtu wa kutisha akienea kama mti wa kijani katika udongo wa asili.
36 asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.
Lakini nilipopita tana mara nyingine, hakuwepo pale. nilimtafuta, lakini sikumpata.
37 Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.
Uwachunguze watu waadilifu, na uwatambue wenye haki; kuna hatima nzuri kwa ajili ya mtu wa amani.
38 Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.
Mwenye dhambi wataharibiwa kabisa; hatima ya mtu mwovu ni kuondoshwa.
39 Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.
Wokovu wa haki unatoka kwa Yahwe; yeye huwalinda wao nyakati za shida.
40 Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.
Yahwe huwasaidia na kuwaokoa. Yeye huwaokoa dhidi ya watu waovu na kuwanusuru wao kwa sababu wao wamemkimbilia yeye kwa ajili ya usalama.

< Mapisarema 37 >