< Mapisarema 36 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kweakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake.
For the chief musician. A psalm of David the servant of Yahweh. An evil man speaks of his transgression from deep in his heart, there is no fear of God in his eyes.
2 Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.
For he comforts himself, thinking that his sin will not be discovered and be hated.
3 Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.
His words are sinful and deceitful; he does not want to be wise and do good.
4 Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa; anozvifambisa panzira yezvakaipa uye haarambi chakaipa.
While he lies in bed, he plans ways to sin; he sets out on an evil way; he does not reject evil.
5 Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
Your covenant faithfulness, Yahweh, reaches to the heavens; your loyalty reaches to the clouds.
6 Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.
Your righteousness is like the mountains of God; your judgments are like the great deep. Yahweh, you preserve both mankind and the animals.
7 Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.
How precious is your covenant faithfulness, God! Humanity takes refuge under the shadow of your wings.
8 Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu; munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.
They feast upon the abundance of your house; you let them drink from the river of your delights.
9 Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza.
For with you is the fountain of life; in your light we will see light.
10 Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai, uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.
Extend your covenant faithfulness fully to those who know you, your defense to the upright of heart.
11 Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri, kunyange ruoko rweakaipa ngarurege kundidzingira kure.
Do not let the foot of the arrogant man come near to me. Do not let the hand of the wicked drive me away.
12 Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei, vakandwa pasi, havagoni kumuka.
Over there the evildoers have fallen; they are knocked down and are not able to get up.