< Mapisarema 35 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa.
Zabbuli ya Dawudi. Ayi Mukama, wakanya abo abampakanya, lwanyisa abo abannwanyisa.
2 Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire.
Golokoka okwate engabo, n’akagabo onziruukirire.
3 Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.”
Galula effumu, abangigganya obazibire ekkubo; otegeeze omwoyo gwange nti, “Nze bulokozi bwo.”
4 Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya.
Abo bonna abannoonya okunzita bajolongebwe era baswazibwe; abo abateesa okunsanyaawo bazzibweyo ennyuma babune emiwabo.
5 Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira kure;
Babe ng’ebisusunku ebifuumuulibwa empewo, malayika wa Mukama ng’abagoba.
6 nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera.
Ekkubo lyabwe libe lya kizikiza era lijjule obuseerezi, ne malayika wa Mukama ng’abagoba.
7 Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,
Nga bwe bantega omutego nga siriiko kye mbakoze, ne bansimira n’ekinnya mu kkubo lyange awatali nsonga,
8 kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare.
bazikirizibwe nga tebategedde, n’omutego gwe banteze be baba bagugwamu, era bagwe ne mu kinnya kiri bazikirire.
9 Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake.
Omwoyo gwange ne gulyoka gujaguliza mu Mukama, ne gusanyukira mu bulokozi bwe.
10 Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.”
Amagumba gange galyogera nti, “Ani afaanana nga ggwe, Ayi Mukama? Kubanga abaavu obadduukirira n’obawonya ababasinza amaanyi, n’abali mu kwetaaga n’obawonya abanyazi.”
11 Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi; zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.
Abajulizi abakambwe bagolokoka ne bambuuza ebintu bye sirinaako kye mmanyi.
12 Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.
Bwe mbayisa obulungi bo bampisa bubi, ne banakuwaza omwoyo gwange.
13 Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,
So nga bwe baalwala nanakuwala ne nnyambala ebibukutu, ne neerumya nga nsiiba, ne nsaba Mukama nga nkotese omutwe, naye okusaba kwange bwe kutaddibwamu,
14 ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu.
ne mbeera mu nnaku ng’ankungubagira ow’omukwano oba owooluganda nkoteka omutwe gwange mu buyinike ng’akaabira nnyina.
15 Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi.
Naye bwe nagwa mu kabi ne beekuŋŋaanya nga basanyuse; ne bannumba nga simanyi, ne bampayiriza obutata.
16 Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo.
Banduulidde n’ettima ng’abatamanyi Katonda bwe bakola, ne bannumira obujiji.
17 Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.
Ayi Mukama, olituusa ddi ng’otunula butunuzi? Nziruukirira nga bannumba, obulamu bwange obuwonye okutaagulwataagulwa, obulamu bwange obw’omuwendo eri empologoma zino.
18 Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
Nnaakwebalizanga mu lukuŋŋaana olukulu, ne nkutenderezanga mu kibiina ky’abantu abangi ennyo.
19 Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.
Tokkiriza balabe bange kunneeyagalirako, abankyawa awatali nsonga; abankyayira obwereere tobakkiriza kunziimuula.
20 Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika.
Teboogera bya mirembe, wabula okuwaayiriza abantu abeetuulidde emirembe mu nsi.
21 Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”
Banjasamiza akamwa kaabwe ne boogera nti, “Leero luno, ky’okoze tukirabye n’amaaso gaffe.”
22 Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe.
Bino byonna obirabye, Ayi Mukama. Noolwekyo tosirika. Tonsuulirira, Ayi Mukama.
23 Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.
Golokoka ojje onnyambe; nnwanirira Ayi Katonda wange era Mukama wange.
24 Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu.
Mu butuukirivu bwo nnejjeereza, Ayi Mukama Katonda wange, tobaganya kunneeyagalirako.
25 Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro, ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”
Tobaleka kulowooza nti, “Leero luno! Kino kye twali twagala!” Oba nti, “Tumusaanyizzaawo!”
26 Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.
Abo bonna abanneeyagalirako olw’ennaku yange ne beesanyusa, batabulwetabulwe era baswazibwe; abo bonna abanneegulumirizaako baswazibwe era banyoomebwe.
27 Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”
Abo abasanyuka ng’annejjeereza, baleekaanire waggulu olw’essanyu n’okujaganya; era boogerenga nti, “Mukama agulumizibwe, asanyuka omuweereza we ng’atebenkedde.”
28 Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.
Olulimi lwange lunaayogeranga ku butuukirivu bwo, era nnaakutenderezanga olunaku lwonna.