< Mapisarema 33 >
1 Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.
ただしき者よヱホバによりてよろこべ 讃美はなほきものに適はしきなり
2 Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.
琴をもてヱホバに感謝せよ 十絃のことをもてヱホバをほめうたへ
3 Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.
あたらしき歌をヱホバにむかひてうたひ歓喜の聲をあげてたくみに琴をかきならせ
4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita.
ヱホバのことばは直く そのすべて行ひたまふところ眞實なればなり
5 Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi.
ヱホバは義と公平とをこのみたまふ その仁慈はあまねく地にみつ
6 Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.
もろもろの天はヱホバのみことばによりて成り てんの萬軍はヱホバの口の氣によりてつくられたり
7 Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.
ヱホバはうみの水をあつめてうづだかくし深淵を庫にをさめたまふ
8 Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.
全地はヱホバをおそれ世にすめるもろもろの人はヱホバをおぢかしこむべし
9 Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.
そはヱホバ言たまへば成り おほせたまへば立るがゆゑなり
10 Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi.
ヱホバはもろもろの國のはかりごとを虚くし もろもろの民のおもひを徒勞にしたまふ
11 Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.
ヱホバの謀略はとこしへに立ち そのみこころのおもひは世々にたつ
12 Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.
ヱホバをおのが神とする國はさいはひなり ヱホバ嗣業にせんとて撰びたまへるその民はさいはひなり
13 Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu;
ヱホバ天よりうかがひてすべての人の子を見
14 ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika,
その在すところより地にすむもろもろの人をみたまふ
15 iye anoumba mwoyo yavanhu vose, anofungisisa zvose zvavanoita.
ヱホバはすべてかれらの心をつくり その作ところをことごとく鑒みたまふ
16 Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake; hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.
王者いくさびと多をもて救をえず勇士ちから大なるをもて助をえざるなり
17 Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa; harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.
馬はすくひに益なく その大なるちからも人をたすくることなからん
18 Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya, napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,
視よヱホバの目はヱホバをおそるるもの並その憐憫をのぞむもののうへにあり
19 kuti avarwire parufu nokuvararamisa panzara.
此はかれらのたましひを死よりすくひ饑饉たるときにも世にながらへしめんがためなり
20 Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
われらのたましひはヱホバを侯望めり ヱホバはわれらの援われらの盾なり
21 Mwoyo yedu inofara maari, nokuti tinovimba nezita rake dzvene.
われらはきよき名にりたのめり 斯てぞわれらの心はヱホバにありてよろこばん
22 Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha, kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.
ヱホバよわれら汝をまちのぞめり これに循ひて憐憫をわれらのうへに垂たまへ