< Mapisarema 33 >

1 Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.
Imbirani Yehova mokondwera Inu olungama, nʼkoyenera kuti owongoka mtima azitamanda Iyeyo.
2 Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.
Mutamandeni Yehova ndi pangwe; muyimbireni Iye nyimbo pa zeze wa zingwe khumi.
3 Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.
Muyimbireni nyimbo yatsopano; imbani mwaluso, ndipo fuwulani mwachimwemwe.
4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita.
Pakuti mawu a Yehova ndi olungama ndi owona; Iye ndi wokhulupirika pa zonse zimene amachita.
5 Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi.
Yehova amakonda chilungamo ndipo amaweruza molungama; dziko lapansi ladzaza ndi chikondi chake chosatha.
6 Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.
Ndi mawu a Yehova mayiko akumwamba anapangidwa, zolengedwa zake ndi mpweya wa mʼkamwa mwake.
7 Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.
Iye amasonkhanitsa pamodzi madzi a mʼnyanja mʼmitsuko; amayika zozama mʼnyumba zosungiramo.
8 Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.
Dziko lonse lapansi liope Yehova; anthu onse amulemekeze Iye.
9 Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.
Pakuti Iye anayankhula ndipo zinakhalapo; Iye analamulira ndipo zinakhazikika.
10 Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi.
Yehova amalepheretsa chikonzero cha anthu a mitundu ina; Iye amaphwanya zolinga za anthu ambiri.
11 Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.
Koma chikonzero cha Yehova chimakhala mpaka muyaya, zolinga za mu mtima mwake pa mibado yonse.
12 Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.
Wodala mtundu wa anthu umene Mulungu wake ndi Yehova, anthu amene Iye anawasankha kukhala cholowa chake.
13 Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu;
Kuchokera kumwamba Yehova amayangʼana pansi ndi kuona anthu onse;
14 ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika,
kuchokera ku malo ake okhalako Iye amayangʼanira onse amene amakhala pa dziko lapansi.
15 iye anoumba mwoyo yavanhu vose, anofungisisa zvose zvavanoita.
Iye amene amapanga mitima ya onse, amaona zonse zimene akuchita.
16 Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake; hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.
Palibe mfumu imene imapulumutsidwa chifukwa cha kukula kwa gulu lake lankhondo; palibe msilikali amene amathawa ndi mphamvu zake zazikulu.
17 Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa; harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.
Kavalo ndi chiyembekezo cha chabechabe cha chipulumutso, ngakhale ali ndi mphamvu yayikulu sangathe kupulumutsa.
18 Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya, napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,
Koma maso a Yehova ali pa iwo amene amaopa Iye; amene chiyembekezo chawo chili mʼchikondi chake chosatha,
19 kuti avarwire parufu nokuvararamisa panzara.
kuwawombola iwo ku imfa ndi kuwasunga ndi moyo nthawi ya njala.
20 Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
Ife timadikira kwa Yehova mwachiyembekezo; Iye ndiye thandizo lathu ndi chishango chathu.
21 Mwoyo yedu inofara maari, nokuti tinovimba nezita rake dzvene.
Mwa Iye mitima yathu imakondwera, pakuti ife timadalira dzina lake loyera.
22 Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha, kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.
Chikondi chanu chosatha chikhale pa ife Inu Yehova, pamene tikuyembekeza kwa Inu.

< Mapisarema 33 >