< Mapisarema 32 >

1 Pisarema raDhavhidhi neMasikiri. Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.
Davidova pesem ukovita: Blagor oproščenemu pregreška, kogar greh je poravnán.
2 Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.
Blagor človeku, kateremu Gospod ne všteva krivice, in katerega duh nima v sebi zvijače.
3 Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.
Ko sem molčal, starale so se kosti moje, v stoku mojem ves dan.
4 Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera
Ker podnevi in ponoči bila je težka nad mano roka tvoja; in sok moj najboljši preobračal se je v suše poletne.
5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
Greh svoj ti razodenem, in krivice svoje ne bodem pokrival (dejal sem). Izpovém se pregreškov svojih Gospodu, in ti si izbrisal kazen mojega greha.
6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwavari.
Zavoljo tega bode te molil, komurkoli deliš milost, kader se zgodi; (o povodnji mnogih vodâ ne doidejo njega);
7 Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera
Ti si zavetje meni; stiske me brani; s pesmami oproščenja me obdajaj.
8 Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.
Podučeval te bodem in kazal ti, po kateri poti bodeš hodil; svetoval ti bodem, v te vpirajoč svoje oko.
9 Rega kuva sebhiza kana senyurusi, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.
Ne bodite kakor konj, kakor mezeg, brez razuma, katerima je z uzdo in vajetom brzdati gobec, da se, ne približa tebi.
10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye.
Velike bolečine ima krivični; kdor pa ima zaupanje v Gospoda, njega obdaja milost.
11 Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama; imbai, imi mose makarurama pamwoyo!
Veselite se v Gospodu in radujte, pravični; in prepevajte, vsi pošteni v srci.

< Mapisarema 32 >