< Mapisarema 32 >

1 Pisarema raDhavhidhi neMasikiri. Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.
Ihubo likaDavida. Ubusisiwe lowo oziphambeko zakhe zithethelelwe, ozono zakhe zisibekelwe.
2 Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.
Ubusisiwe lowo ongasoze abalelwe isono sakhe nguThixo, njalo ongelankohliso emoyeni wakhe.
3 Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.
Ngathi lapho ngithule, amathambo ami ababuthakathaka ngenxa yokububula kwami ilanga lonke.
4 Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera
Ngoba imini lobusuku isandla Sakho sasingelekile, singisinda; amandla ami aphela kwafana lesikhudumezi sehlobo.
5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera
Lapho-ke ngasengisivuma isono sami Kuwe angabe ngisasibekela ububi bami. Ngathi, “Ngizazivuma iziphambeko zami kuThixo,” walithethelela icala lesono sami.
6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwavari.
Ngakho akuthi wonke umuntu othembekileyo akhuleke kuwe usatholakala; ngeqiniso kuzakuthi lapho impophoma seziqubuka, kabayi kumfinyelela.
7 Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera
Uyindawo yami yokuphephela; uzangivikela enkathazweni ungizungeze ngezingoma zensindiso.
8 Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.
Ngizakutshengisa ngikufundise indlela ofanele uhambe ngayo; ngizakweluleka ngikulinde.
9 Rega kuva sebhiza kana senyurusi, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.
Ungabi njengebhiza loba imbongolo, khona akulakuzwisisa kodwa kumele kukhokhelwa ngamatomu ukuze umuntu kumlalele.
10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye.
Zinengi izikhalazo zababi, kodwa uthando lukaThixo olungaphuthiyo luyamzungeza umuntu othemba kuye.
11 Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama; imbai, imi mose makarurama pamwoyo!
Thokozani kuThixo, lithabe lina balungileyo; hlabelelani lonke lina eliqotho enhliziyweni!

< Mapisarema 32 >