< Mapisarema 31 >
1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu.
Kuwe, Nkosi, ngiyathemba, kangingayangeki lanini, ngikhulule ngokulunga kwakho.
2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa.
Beka kimi indlebe yakho, ngikhulule masinyane, ube lidwala elilamandla kimi, indlu yezinqaba yokungisindisa.
3 Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.
Ngoba wena ulidwala lami lenqaba yami; ngakho ngenxa yebizo lakho ngikhokhela ungiqondise.
4 Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.
Ngikhupha embuleni abangithiye ngalo ensitha, ngoba uyinqaba yami.
5 Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.
Esandleni sakho ngibeka umoya wami; ungihlengile, Nkosi, Nkulunkulu weqiniso.
6 Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.
Ngibazondile labo abananzelela okuyize kwamanga; kodwa mina ngithembela eNkosini.
7 Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.
Ngizathaba ngithokoze emuseni wakho, ngoba ubonile uhlupho lwami, wazile umphefumulo wami ezinkathazweni.
8 Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
Njalo kawungivalelanga esandleni sesitha, umise inyawo zami endaweni ebanzi.
9 Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.
Woba lomusa kimi, Nkosi, ngoba ngilohlupho; ilihlo lami liqedwa lusizi, umphefumulo wami lesisu sami.
10 Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika.
Ngoba impilo yami iphela ngosizi, leminyaka yami ngokububula; amandla ami ayadeda ngenxa yeziphambeko zami, lamathambo ami ayaqedwa.
11 Nokuda kwavavengi vangu, ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu; ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu; vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza.
Sengilihlazo phakathi kwazo zonke izitha zami, kodwa ikakhulu kwabakhelene lami, sengiyikwesabeka kwabangejwayeleyo; abangibonayo ngaphandle bayangibalekela.
12 Ndakanganwikwa navo sendakafa; ndafanana nehari yakaputsika,
Bakhohlwe ngami njengofileyo enhliziyweni; nginjengesitsha esifileyo.
13 nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji; kumativi ose kune zvinotyisa; vanorangana pamusoro pangu uye vanoronga kundiuraya.
Ngoba ngizwile ukunyunda kwabanengi, ukwesaba inhlangothi zonke, becebisana bemelene lami, beceba ukuthatha impilo yami.
14 Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.”
Kodwa mina ngithemba kuwe, Nkosi, ngithi: UnguNkulunkulu wami.
15 Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera.
Izikhathi zami zisesandleni sakho; ngikhulula esandleni sezitha zami lakwabangizingelayo.
16 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu; ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi.
Khanyisa ubuso bakho phezu kwenceku yakho; ungisindise ngothando lwakho.
17 Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa, nokuti ndakadana kwamuri; asi vakaipa ngavanyadziswe uye vavate vakati mwiro muguva. (Sheol )
Nkosi, kangingayangeki, ngoba ngikubizile; kabayangeke ababi, bathule engcwabeni. (Sheol )
18 Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe, nokuti vanotaura namanyawi nokuzvikudza pamusoro pavakarurama.
Kazithuliswe indebe zamanga, ezikhuluma kalukhuni zimelene lolungileyo ngokuzigqaja langokweyisa.
19 Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai, kwamunoisa pamberi pavanhu, pamusoro paivo vanovanda mamuri.
Kukhulu kangakanani ukulunga kwakho, okubekele labo abakwesabayo, okwenzela labo abathembela kuwe, phambi kwabantwana babantu!
20 Mukudzivirira kwokuvapo kwenyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera.
Uzabafihla ekusithekeni kobukhona bakho basuke kumagobe omuntu, ubafihle ethenteni ekuphikisaneni kwenlimi.
21 Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa.
Kayibongwe iNkosi, ngoba ingenzele uthando olumangalisayo emzini oyinqaba.
22 Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro.
Ngoba mina ngathi ekuphangiseni kwami: Ngiqunyiwe ngasuswa phambi kwamehlo akho. Loba kunjalo uzwile ilizwi lokuncenga kwami ekukhaleni kwami kuwe.
23 Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza.
Ithandeni iNkosi lonke bangcwele bayo. INkosi ilondoloza abathembekileyo, iyamphindisela kakhulukazi owenze ngokuzigqaja.
24 Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorindira Jehovha.
Qinani, izaqinisa inhliziyo yenu, lina lonke elithembela eNkosini.