< Mapisarema 31 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu.
למנצח מזמור לדוד בך יהוה חסיתי אל אבושה לעולם בצדקתך פלטני׃
2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa.
הטה אלי אזנך מהרה הצילני היה לי לצור מעוז לבית מצודות להושיעני׃
3 Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.
כי סלעי ומצודתי אתה ולמען שמך תנחני ותנהלני׃
4 Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.
תוציאני מרשת זו טמנו לי כי אתה מעוזי׃
5 Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.
בידך אפקיד רוחי פדיתה אותי יהוה אל אמת׃
6 Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.
שנאתי השמרים הבלי שוא ואני אל יהוה בטחתי׃
7 Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.
אגילה ואשמחה בחסדך אשר ראית את עניי ידעת בצרות נפשי׃
8 Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
ולא הסגרתני ביד אויב העמדת במרחב רגלי׃
9 Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.
חנני יהוה כי צר לי עששה בכעס עיני נפשי ובטני׃
10 Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika.
כי כלו ביגון חיי ושנותי באנחה כשל בעוני כחי ועצמי עששו׃
11 Nokuda kwavavengi vangu, ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu; ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu; vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza.
מכל צררי הייתי חרפה ולשכני מאד ופחד למידעי ראי בחוץ נדדו ממני׃
12 Ndakanganwikwa navo sendakafa; ndafanana nehari yakaputsika,
נשכחתי כמת מלב הייתי ככלי אבד׃
13 nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji; kumativi ose kune zvinotyisa; vanorangana pamusoro pangu uye vanoronga kundiuraya.
כי שמעתי דבת רבים מגור מסביב בהוסדם יחד עלי לקחת נפשי זממו׃
14 Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.”
ואני עליך בטחתי יהוה אמרתי אלהי אתה׃
15 Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera.
בידך עתתי הצילני מיד אויבי ומרדפי׃
16 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu; ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi.
האירה פניך על עבדך הושיעני בחסדך׃
17 Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa, nokuti ndakadana kwamuri; asi vakaipa ngavanyadziswe uye vavate vakati mwiro muguva. (Sheol h7585)
יהוה אל אבושה כי קראתיך יבשו רשעים ידמו לשאול׃ (Sheol h7585)
18 Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe, nokuti vanotaura namanyawi nokuzvikudza pamusoro pavakarurama.
תאלמנה שפתי שקר הדברות על צדיק עתק בגאוה ובוז׃
19 Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai, kwamunoisa pamberi pavanhu, pamusoro paivo vanovanda mamuri.
מה רב טובך אשר צפנת ליראיך פעלת לחסים בך נגד בני אדם׃
20 Mukudzivirira kwokuvapo kwenyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera.
תסתירם בסתר פניך מרכסי איש תצפנם בסכה מריב לשנות׃
21 Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa.
ברוך יהוה כי הפליא חסדו לי בעיר מצור׃
22 Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro.
ואני אמרתי בחפזי נגרזתי מנגד עיניך אכן שמעת קול תחנוני בשועי אליך׃
23 Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza.
אהבו את יהוה כל חסידיו אמונים נצר יהוה ומשלם על יתר עשה גאוה׃
24 Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorindira Jehovha.
חזקו ויאמץ לבבכם כל המיחלים ליהוה׃

< Mapisarema 31 >