< Mapisarema 30 >

1 Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi. Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.
Ngizakuphakamisa, Nkosi, ngoba ungenyusile, njalo kawuthokozisanga izitha zami ngami.
2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
Nkosi Nkulunkulu wami, ngakhalela kuwe, wangisilisa.
3 Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. (Sheol h7585)
Nkosi, uwukhuphulile umphefumulo wami engcwabeni, ungigcinile ngiphila, ukuze ngingehleli emgodini. (Sheol h7585)
4 Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene.
Hlabelelani eNkosini, lina bangcwele bayo, libonge ekukhunjulweni kobungcwele bayo.
5 Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.
Ngoba ukuthukuthela kwayo kungokwesikhatshana, impilo isemuseni wayo. Ukulila kungahlala kusihlwa, kanti ekuseni kulentokozo.
6 Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”
Mina-ke ngathi ekuphumeleleni kwami: Kangiyikunyikinywa laphakade.
7 Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka.
Nkosi, ngomusa wakho wenzile intaba yami iqine; wabufihla ubuso bakho, ngahlupheka.
8 Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,
Ngakhala kuwe, Nkosi; ngancenga eNkosini.
9 “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here?
Kulenzuzo bani egazini lami ekutshoneni kwami emgodini? Uthuli luzakudumisa na? Luzatshumayela iqiniso lakho yini?
10 Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”
Zwana, Nkosi, ube lomusa kimi; Nkosi, woba ngumsizi wami.
11 Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,
Uphendule ukukhala kwami kwaba yikusina; ukhuphile isaka lami, wangibhincisa intokozo,
12 kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
ukuze udumo lwami luhlabele indumiso kuwe, lungathuli; Nkosi, Nkulunkulu wami, ngizakubonga kuze kube nininini.

< Mapisarema 30 >