< Mapisarema 3 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira!
Yahewh, maadui zangu wako wangapi! Ni wengi wamekuja kinyume na mimi.
2 Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera
Ni wengi wanaonisema, “Hakuna msaada wowote kutoka kwa Mungu kwa ajili yake.” (Selah)
3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.
Bali wewe, Yahweh, u ngao yangu pande zote, utukufu wangu, na uniinuaye kichwa changu.
4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera
Nampazia Yahweh sauti yangu, na yeye ananijibu kutoka katika mlima wake mtakatifu.
5 Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.
Nilijilaza chini na kusinzia; na niliamka, kwa kuwa Yahweh alinilinda.
6 Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.
Sitaogopa kusanyiko la watu ambao wamejipanga kinyume na mimi pande zote.
7 Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa.
Inuka, Yahweh! Uniokoe, Mungu wangu! Kwa kuwa utawapiga maadui zangu wote kwenye taya zao; utayavunja meno ya waovu.
8 Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera
Wokovu unatoka kwa Yahweh. Baraka zako ziwe juu ya watu wako.

< Mapisarema 3 >