< Mapisarema 3 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira!
Salmo de David cuando huía de su hijo Absalón. Oh Yahvé, ¡cuán numerosos son mis perseguidores! ¡Cuántos se levantan contra mí!
2 Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera
Muchos son los que dicen de mi vida: “No hay para él salvación en Dios.”
3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.
Pero Tú, Yahvé, eres mi escudo, Tú mi gloria, Tú quien me hace erguir la cabeza.
4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera
Con mi voz invoco a Yahvé y Él me oye desde su santo monte.
5 Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.
Me acuesto y me duermo, y despierto incólume, porque Yahvé me sostiene.
6 Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.
No temo a los muchos millares de gentes que en derredor se ponen contra mí.
7 Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa.
Levántate, Yahvé; sálvame, Dios mío, Tú que heriste en la mejilla a todos mis enemigos, y a los impíos les quebraste los dientes.
8 Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera
De Yahvé viene la salvación, ¡Que sea tu bendición sobre tu pueblo!

< Mapisarema 3 >