< Mapisarema 29 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.
Zaburi ya Daudi. Mpeni Bwana, enyi mashujaa, mpeni Bwana utukufu na nguvu.
2 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
Mpeni Bwana utukufu unaostahili jina lake; mwabuduni Bwana katika uzuri wa utakatifu wake.
3 Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.
Sauti ya Bwana iko juu ya maji; Mungu wa utukufu hupiga radi, Bwana hupiga radi juu ya maji makuu.
4 Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa.
Sauti ya Bwana ina nguvu; sauti ya Bwana ni tukufu.
5 Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.
Sauti ya Bwana huvunja mierezi; Bwana huvunja vipande vipande mierezi ya Lebanoni.
6 Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati.
Hufanya Lebanoni irukaruke kama ndama, Sirioni urukaruke kama mwana nyati.
7 Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni.
Sauti ya Bwana hupiga kwa miali ya umeme wa radi.
8 Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.
Sauti ya Bwana hutikisa jangwa; Bwana hutikisa Jangwa la Kadeshi.
9 Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”
Sauti ya Bwana huzalisha ayala, na huuacha msitu wazi. Hekaluni mwake wote wasema, “Utukufu!”
10 Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.
Bwana huketi akiwa ametawazwa juu ya gharika; Bwana ametawazwa kuwa Mfalme milele.
11 Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.
Bwana huwapa watu wake nguvu; Bwana huwabariki watu wake kwa kuwapa amani.