< Mapisarema 28 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.
Zaburi ya Daudi. Ninakuita wewe, Ee Bwana, Mwamba wangu; usiwe kwangu kama kiziwi. Kwa sababu ukinyamaza nitafanana na walioshuka shimoni.
2 Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.
Sikia kilio changu unihurumie ninapokuita kwa ajili ya msaada, niinuapo mikono yangu kuelekea Patakatifu pa Patakatifu pako.
3 Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.
Usiniburute pamoja na waovu, pamoja na hao watendao mabaya, ambao huzungumza na jirani zao maneno mazuri, lakini mioyoni mwao wameficha chuki.
4 Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.
Walipe sawasawa na matendo yao, sawasawa na matendo yao maovu; walipe sawasawa na kazi za mikono yao, uwalipe wanavyostahili.
5 Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve.
Kwa kuwa hawaheshimu kazi za Bwana, na yale ambayo mikono yake imetenda, atawabomoa na kamwe hatawajenga tena.
6 Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.
Bwana asifiwe, kwa maana amesikia kilio changu nikimwomba anihurumie.
7 Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.
Bwana ni nguvu zangu na ngao yangu, moyo wangu umemtumaini yeye, nami nimesaidiwa. Moyo wangu unarukaruka kwa furaha nami nitamshukuru kwa wimbo.
8 Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.
Bwana ni nguvu ya watu wake, ngome ya wokovu kwa mpakwa mafuta wake.
9 Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.
Waokoe watu wako na uubariki urithi wako; uwe mchungaji wao na uwabebe milele.