< Mapisarema 28 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.
A psalm of David. Lord, my rock, I'm calling out to you. Please listen to me! For if you don't respond, I'll be like those who go down into the grave.
2 Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.
Listen as I appeal for mercy, as I call for help, as I hold up my hands in prayer towards your holy Temple.
3 Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.
Don't drag me off with the wicked, with those who do evil, who speak nicely to their neighbors while in their minds they're plotting evil.
4 Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.
Give them what they deserve for their evil actions. Pay them back for what they've done. Give them the reward they've earned!
5 Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve.
For they don't pay any attention to what the Lord does, or to what he created. So he will destroy them—they will never be restored.
6 Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.
Praise the Lord! For he has heard my appeal for mercy!
7 Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.
The Lord is my strength and my shield. I trust in him and he helps me. I'm so happy, and I sing my thanks to him.
8 Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.
The Lord gives strength to his people; he is a safe refuge for the one he has anointed.
9 Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.
Save your people! Bless your “special possession”! Be their shepherd and carry them in your arms forever!