< Mapisarema 25 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;
A psalm of David. Lord, I come to worship you.
2 haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda.
I trust in you, my God. Don't let me be humiliated, and don't let my enemies triumph over me.
3 Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero.
No one who trusts in you will be humiliated, but humiliation comes to those who are deliberately dishonest.
4 Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu;
Show me your ways, Lord; teach me to follow your paths.
5 nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
Lead me in your truth and teach me, for you are the God of my salvation. All day long I put my trust in you.
6 Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare.
Remember, Lord, your compassion and trustworthy love—they are eternal!
7 Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo; ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu, nokuti makanaka, imi Jehovha.
Please don't remember the sins of my youth when I rebelled against you. Instead, remember me according to your trustworthy love, remember me because of your goodness, Lord.
8 Jehovha akanaka uye akarurama; naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.
The Lord is good and he is right; that is why he shows the way to those who are lost.
9 Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.
He leads those who are humble in doing what's right, teaching them his way.
10 Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.
The Lord's paths are those of trustworthy love and truth for those who keep his agreement and do as he says.
11 Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha, kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.
Lord, because of your nature, forgive my many sins.
12 Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.
Who are those who respect the Lord? He will show them the path to choose.
13 Achararama upenyu hwake mukubudirira, uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.
They will continue to be prosperous, and their descendants will inherit the land.
14 Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari.
The Lord is friends with those who respect him, explaining to them his agreement.
15 Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.
I always look to the Lord, for he rescues me when I'm trapped.
16 Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.
Watch over me and be good to me, because I am all alone and suffering.
17 Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.
My problems get bigger and bigger. Please save me from all I'm going through.
18 Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.
See all my troubles and trials. Please forgive my sins.
19 Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei!
Look at how many enemies I have, and how they really hate me!
20 Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri.
Please look after me and save me! Don't let me be humiliated, for you are the one who protects me.
21 Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.
May integrity and honesty defend me because I place my confidence in you.
22 Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose!
God, please deliver the people of Israel from all their troubles!

< Mapisarema 25 >