< Mapisarema 24 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;
Umhlaba ungoweNkosi, lokugcwala kwawo, ilizwe, labahlala kulo.
2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
Ngoba yona yawusekela phezu kwezinlwandle, yawumisa phezu kwemifula.
3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
Ngubani ozakwenyukela entabeni yeNkosi? Kumbe ngubani ozakuma endaweni yayo engcwele?
4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.
Ngulowo olezandla ezihlanzekileyo lenhliziyo emhlophe, ongaphakamiseli umphefumulo wakhe kokuyize longafungi ngenkohliso.
5 Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
Uzakwemukela isibusiso eNkosini, lokulunga kuNkulunkulu wosindiso lwakhe.
6 Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera
Lesi yisizukulwana salabo abayidingayo, abadinga ubuso bakho, ngitsho Jakobe. (Sela)
7 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muisimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
Phakamisani inhloko zenu, lina masango, phakanyiswani, lina minyango yaphakade, ukuze kungene iNkosi yenkazimulo.
8 Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.
Ingubani liNkosi yenkazimulo? INkosi elamandla leliqhawe, iNkosi elamandla empini.
9 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
Phakamisani inhloko zenu, lina masango, yebo, phakamani, lina minyango yaphakade, ukuze kungene iNkosi yenkazimulo.
10 Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya. Sera
Ingubani liNkosi yenkazimulo? INkosi yamabandla, yiyo eyiNkosi yenkazimulo. (Sela)