< Mapisarema 24 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;
De David. Psaume. À l’Éternel est la terre et tout ce qu’elle contient, le monde et ceux qui l’habitent;
2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
Car lui l’a fondée sur les mers, et l’a établie sur les fleuves.
3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
Qui est-ce qui montera en la montagne de l’Éternel? et qui se tiendra dans le lieu de sa sainteté?
4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.
Celui qui a les mains innocentes et le cœur pur, qui n’élève pas son âme à la vanité, et ne jure pas avec fausseté.
5 Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
Il recevra bénédiction de l’Éternel, et justice du Dieu de son salut.
6 Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera
Telle est la génération de ceux qui le cherchent, de ceux qui recherchent ta face, ô Jacob. (Sélah)
7 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muisimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
Portes, élevez vos têtes! et élevez-vous, portails éternels, et le roi de gloire entrera.
8 Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.
Qui est ce roi de gloire? L’Éternel fort et puissant, l’Éternel puissant dans la bataille.
9 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
Portes, élevez vos têtes! et élevez-vous, portails éternels, et le roi de gloire entrera.
10 Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya. Sera
Qui est-il, ce roi de gloire? L’Éternel des armées, lui, est le roi de gloire. (Sélah)